Kubvira pakaunza Tsuro nyama yaakabira vavhimi vamambure, Gudo haana kuzombogadzikana muhana make. Akanga ongoita seane mamhepo. Kana hope dzake dzakanga dzangova mazikopekope. Akanga ogara achirota achirova vanhu zvakaipisisa kwazvo, achivatuma kuti vamupe nyama zhinji kupfuura yavakanga vapa Tsuro. Kana akasvinura Gudo akanga ongogarodzidzira kurova zvibhakera zvemupfekerwa, zvemabhambu nezvamatsenganzungu. Waiona chiri chibasabasa Gudo achisikiza gwenzi obva aripa chibhakera kana kurikava negumbo, obva ati daku, kwakadaro uko mha kwava kutanga kurova zvibhakera mumhepo achisvetuka-svetuka nokunzvenga. Gudo akanga adya muti wamangoromera.

Gudo akadyira nyama yakauya naTsuro nhafu achiti ichimbidze yapera iye agowana mukana wokunotora imwe. Nyama ndiye bha. Chifumi chacho Gudo akazongofuma asisiri padumba. Nguva yaakanga akamirira yakanga yasvika, saka akangoita fungiramumwoyo rwendo rwembwa akananga kwaiva navavhimi vamambure. Sezvo aivimba nesimba rake, haana kumbosweroita zvokubwandira vanhu vaya. Akangoita mahwekwe navo vachibva kwakadaro uko ndokumira mberi kwemombe achiti, “Ho-o! Ho-o” sezvatinonzwa makudo achiita mumakomo. Gudo akadira kakomana kakanga kakatungamira mombe mbama ndokuivirika nebhutsu. Mwana akati aipangura mhere. Zvikanzi naGudo, “Nyarara! Tumahobi! Hapana zvandati ndaita. Uchaona zvandichaita mukoma wako uyo. Ndinoda kumupa zvemupfekerwa zveinatsenganzungu. Zvamakaitwa naTsuro vinosara pasi pane zvandichakuitai nhasi.”
Aona kuti munin’ina wake angakuvadzwe, mukoma wacho akati, “Tizira kuno iwe. Rinenge rine ngozi bveni iro.” Apoka apo! Gudo ndizvo zvaakanga asingadi izvozvo. Akaviruka nehasha ndokuti kumukomana mukuru, “Iwe, wauri kuti ane ngozi ndiani? Pfutseke! Mhuka inofura sora! Nhasi unondiona! Nhasi ndichakuudza chakatadzisa imbwa kuseka kunyenama ichigona. Hokoyo ndouyako!” Zvino mukomana wacho aiva muvhimi wechokwadi. Raiva gamba ramagamba. Zvakabva zvatuzurirana meso matsvuku anenge ropa. Zvikanzi naGudo ndimuteme chomupfekerwa mukomana ndiye nzve kunzvenga. Gudo akachinzi chino chematsenganzungu ndokubva ati pasi pu. Paakamuka akaona kuti zvezvibhakera zvinganetsa saka akabva afunga zvokuruma namazino. Paakati ndirume akabva anzwa kuti “Hau! Hau!” kuzonoti cheu wanei Bhingo naMachena dzamirira kumubvarura-bvarura.
Zvembwa Gudo ainge asina kumbozviisa kupfungwa dzake. Kutaura chokwadi Gudo aitya imbwa kunge aona shumba. Hana yake yakati mwau akati nechomumwoyo, “Baba wangu Mutiro iwe, inga nhasi chandakadya chazomuka.” Asi akazvishingisa akati, “Imbwa muchiri kudzida here idzi? Kana muchidzida dzibatei. Iwe mudiki uya ubate makava enyu aya, iwe mukuru burutsa mavhurusaka ose ari musandanga pasi. Manzwa here zva……?” Haana kuzopedza zvaaida kureva. Machena yakanga yatomuti gumbo dzvi.
“Yowe-e mai hwe-e kani!” Gudo akabararadza. Ndiye mbama iri pana Machena. Imbwa ikati yachema. Yakati tupfunu payakanga yakaruma, iriwo gudo rikati ndawana mukana wokurova bara. Zvakabva zvasonana nembwa. Bhingo yakabva yariti muswe ndu ndokubva zvotanga kukakaritsana zvakadaro. Mukomana mukuru uya akabva ati vhu ndokuregedzera Gudo mutoki napano pamusana apa. Gudo akabva ati fedema. Nanhasi makudo anofamba akafedemara nokuda kwaizvo
Gudo ndokuzoti pukunyu, chitsoka ndibereke, imbwa dzakamboedza kumubata asi dzakazokanda mapfumo pasi. Gudo akanga oita ushamwari nemhepo pachokwadi. Paakazoti mugomo godi, Gudo akatanga kutora mabwe achipotsera imbwa dziya kusvikira dzadzokera. Nokuda kwenzara ndiwo musi wakazotanga Gudo kudya marize aaiwana pasi pamabwe aya. Nanhasi makudo anongodya marize.
“Saka Tsuro ndiye asaka ndipinde mupfumvu yese iyi nhai,” Gudo akadaro mushure menguva. Nhasi anonondiona, ndingapike namai vangu vaGoyo vakasvuurwa shure nemhamhatsi. Nhasi ndinoda kuti adembe chaakazvarirwa.” Akabva ati munzira kwede ndokurimbinyuka akananga kudumba kuna Tsuro.
Adapted from Rurimi rwaamai bk 1